Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veMDC-T neZanu PF Vanokurudzira Vanhu Kunyoresa Kuvhota


Vechidiki veMDC-T vabatana neveZanu PF muKambuzuma mukukurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota

Vechidiki vebato reMDC inotungamiririrwa naVaMorgan Tsvangirai nhasi vapinda mumigwagwa muKambuzuma Constituency vachikurudzira vagari kuti vanyorese kuvhota muchiitiko chatsigirwa nevamwe vavo kubva kubato riri kutonga reZanu PF.

Avo ndevamwe vechidiki vachi kurudzira vagari vemuKambuzuma kuenda kunonyoresa kuvhota.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muMDC-T Youth Assembly muKambuzuma, VaSimon Mafunga, vaudza Studio 7 kuti vaita chirongwa ichi sezvo pange pasina ruzivo munzvimbo iyi pamusoro pechirongwa chekunyoresa vavhoti patsva cheBiometric Voter Registration kana kuti BVR.

VaMafunga vati chirongwa chavo chafamba zvakanaka uye vafara chose nekutambirwa kwavaitwa neveruzhinji.

Vechidiki veZanu PF vapinda muchiitiko ichi asi havana kuda kudomwa nemazita avo sezvo vange vasina kupihwa mvumo kubva kubato.

Mumwe wechidiki veZanu PF audza Studio 7 kuti afara chose kuti vafamba vachibatsira vanhu kunyoresa kuvhota zvisineyi nekuti munhu anotsigira bato ripi.

Mumwewo wechidiki weMDC T asina kuda kudomwa nezita rake sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau zvakare ari gweta audza Studio 7 kuti afara chose nechiitiko chanhasi sezvo abatsira vanhu vakawanda nekuvasainira magwaro anoratidza kuti vanogara papi izvo zvinodiwa kuti munhu anyorese kuvhota.

Vechidki ava vati vacharamba vachiita chirongwa chavaita nhasi kusvikira musi wa19 Zvita apo kunyoresa kwevanhu kuvhota kuchapera mudunhu mavo.

Vatiwo kushanda kwavaita nhasi kwaratidza kuti vanokwanisa kushanda vose nguva nenguva pasina mhirizhonga.

Zimbabwe ichaita sarudzo gore rinouya uye pari zvino komiti inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission iri kuumba gwaro idzva revavhoti.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG