Accessibility links

Breaking News

Vechidiki muMDC-T Vanoti Vari Kunyoresa Zvine Mutsindo


VaMorgan Tsvangirai nevatsigiri vavo
VaMorgan Tsvangirai nevatsigiri vavo

Vechidiki mubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vanoti vari kuratidza chido chekunyoresa kuvhota gore rinouya.

Vanotiwo vatonyorera kuZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti nguva yekunyoresa iwedzerwe.

Vanobudisa mashoko muMDC Youth Assembly, VaBrian Dube, vanoti vari kuona kuti zvirongwa zviri kuitwa nemapato akasiyana-siyana anopikisa zvekukurudzira vechidiki kunonyoresa kuvhota, zviri kushanda.

VaDube vanoti sebato vari kufadzwa zvikuru nehuwandu hwevechidiki vari kunonyoresa kunovhota.

VaDube vatiwo vane chivimbo seMDC kuti sarudzo dzejekerere dzinogoneka muZimbabwe.

VaDube vati kunyange hazvo hurumende yeZanu PF yaive yakamboomesa musoro nenyaya yekugadzira mitemo ine chekuita nesarudzo, zvido zvavo zviri kuzadziswa pashoma nepashoma.

Munyori muboka revechidiki reMDC-T, Va Lovemore Chinoputsa, vatiwo sevechidiki vatonyorera kusangano reZEC kuti chirongwa chekunyoresa kuvhota chiri kutarisirwa kupera musi wa16 Zvita chiwedzerwe mazuva.

VaChinoputsa vanoti zvakaitika munyika zvinosanganisira kutorwa kwenyika nemasoja zvakadzorera shure chirongwa chekunyoresa vakati vanhu vaanofanirwa kupiwa mukana wekunyoresa zvakare varikunzvimbo dziri pedyo navo.

VaChinoputsa vatiwo sebato vari kuenderera mberi nekukurudzira vechidiki kunonyoresa kuvhota vakati vari kushandisa nzira dzakasiyana-siyana kukwezva vechidiki.

Padandemudande reZEC zvinoratidza kuti pari zvino kusvika China, vanhu vanosvika mamiriyoni matatu nemazana masere ezviuru ndovanyoresa kuvhota.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG