Accessibility links

Breaking News

MDC-USA Yokuridzira Vanhu Kuvhota Ichiratidzira muWashington D.C.


Protesters at the Zimbabwe Embassy in USA
Protesters at the Zimbabwe Embassy in USA

Nhengo dze MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa dziri kuungana neMugovera muWashington DC dzicharatidzira pamuzinda weZimbabwe senzira yekukurudzira vose vari kumusha kuti vaende kunovhota nehuwandu hwavo hwose nemusi weMuvhuro.

Hurongwa uhu hunotanga na10 mangwanani kusvika na 3 dzemasikati.

Murongi wemisangano yeMDC-USA, VaNick Mada, vaudza Studio7 kuti vanovimba kuti vari kumusha vachavhota murunyararo.

“Tinenge takanangana kana kuti kukuridzira vamwe vedu vatakamira navo vari kuZimbabwe veMDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa kuti vasimuke, vabude mudzimba vese vaende kunovhota, vaende kunoratidza kodzero dzavo. Ndicho chinangwa chikuru chatiinacho,” VaMada vakaudza Studio7.

Nemusi weMuvhuro 30 Chikunguru, vanhu muZimbabwe vachange vachivhota kusarudza mutungamiri wenyika, nhengo dzeparamende nemakanzura emunyika yese.

Mutemo wenyika unoti zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika zvinofanira kuziviswa mukati memazuva mashanu kubva musi waitwa sarudzo.

Sarudzo dziri kuitwa neMuvhuro dziri kuitwa kekutanga mumakore makumi matatu nemasere vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasingakwikwidze, uye makore gumi nematanhatu mutungamiri weMDC wekutanga, muchakabvu Morgan Tsvangirai, vasingakwikwidzewo zvichitevera kushaya kwavakaita muna Kukadzi gore rino.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika pamwe nemasangano avana chipangamazano anoti sarudzo ine mutsindo iri pakati pemutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa naVaChamisa.

VaChamisa vanoti Zimbabwe ichange yave nemutungamiri mutsva svondo rinouya, ukuwo VaMnangagwa vachitiwo vanhu vachavhotera bato ravo senzira yekuchengetedza nhaka yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG