Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inotambira neMufaro Kusarudzwa kwaVaCyril Ramaphosa


VaCyril Ramaphosa

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC-T, rinoti rinofara zvikuru nekusarudzwa kwakaitwa VaCyril Ramaphosa, semutungamiri mutsva weAfrican National Congress, ANC, yekuSouth Africa.

VaRamaphosa vakakunda Amai Nkosazana Dlamini-Zuma mumakwikwi ekutsvaka mutungamiri weANC.

VaRamaphosa ndivo vachamirira bato reANC musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muna 2019.

Mutauriri webato reMDC-T, VaObert Gutu, vanoti sebato rakabva muvashandi, inonyanya kufara chose nekuti VaRamaphosa vange vari mukuru mukuru munezvavashandi.

“VaRamaphosa vanotove ‘trade unionist’; izvi zvinotifadza sekuziva kwamunoita kuti takazvarwa ne Zimbabwe Congress of Trade Unions. Tirimwana weZCTU,” VaGutu vakaudza Studio7.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG