Accessibility links

Breaking News

VaGutu Voshora Vechidiki Mubato Ravo Vakaita Mhirizhonga kuRufu rwaVaTsvangirai


Obert Gutu

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti havasi kubuda mubato ravo asi vachakwikwidza muHarare East musarudzo dzichaitwa gore rino.

VaGutu vanoti havasi kuzochinja pfungwa dzavo pahurongwa hwekuda kumirira Harare East muparamende.

Mashoko aVaGutu anouya panguva iyo MDC Alliance yakawirirana kuti Harare East ichapihwa kubato re People’s Democratic Party.

VaGutu vataura izvi mushure memashoko avaisa pa Twitter vachiti havachada kuramba vachimira nebato rinoita zvimhirizhonga.

Mashoko aya anotevera mhirizhonga iri kuitika muMDC, iyo yakatanga nekuHarvest House svondo rapera, pamwe nekurufu rwevaive mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, kuBuhera.

Asi VaGutu vanoti vanoshora zvikuru mhirizhonga inonzi iri kukonzerwa nevechidiki mubato ravo.

VaGutu vanoti havawirirane nemunhu wese anotsigira mhirizhonga, kana anoda kumira nevanhu vanoita zvemhirizhonga nekuti bato ravo nderevanhu vanoremekedza mitemo yenyika pamwe nekodzero dzevanhu vose.

VaGutu vaudza Studio7 kuti: “Handidi kushanda nguva zhinji ndakangotarisa kumashure kuti ndiani ari kunditevera, ndiani anoda kundiponda; pose pawasvika uchitukirirwa dzimwe nguva nezvinonyadzisira nevana vadoko doko vamwe vanotova nezera kana kuve vadoko kuvana vangu; hazvina nechimiro.”

America yakashoropodzawo zvikuru mhirizhonga yakaitwa nevechidiki veMDC kuBuhera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG