Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanoti Sunday Mail Haina Kunyora Zvizere Zvavakataura


Munyori Mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora

Munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti mashoko akaburitswa nerimwe bepanhau haana kutsanangura nemazvo zvavakaudza bepanhau iri.

Asi vanoti mushure mekuburitswa kwenyaya yanga yanetsa iyi, vakakwanisa kutsanangurira mutungamiri wavo zvavaireva munyaya yakaburitswa ne Sunday Mail, iyo vanoti haina kunzwisisa zvizere pamusoro pezvavakataura.

Bepanhau iri rakabudisa mashoko ekuti VaMwonzora naVaTsvangirai havasi kuona pamwe chete maererano nezvevachasarudzwa kumiririra sangano remubatanidzwa we MDC Alliance musarudzo dzegore rinouya.

Asi VaMwonzora vanoti handizvo zvavakataura.

“Chakaitika ndechikuti takanga tisina kuonana naPresident Tsvangirai asi ndakazovaona ndikavatsanangurira kuti ndairevei,” VaMwonzora vaudza Studio 7.

“Zvandaireva ndezvokuti takamirira kuti vanhu vagoverwe ma ‘seats’ emapato, tinenge tichida kuti maMP edu neavo vachakwikwidza musarudzo vawane mukana wakakwana wekuti vazivikanwe nevanhu munzvimbo dzevanenge vachienda idzodzo,” VaMwonzora vanodaro.

VaMwonzora vanoti vakataura kuti bato ravo rinofano sarudza vachakwikwidza asi kana vamwe vavo vemuMDC Alliance vakapiwa zvimwe zvigaro, vaye vanenge vasarudzwa muMDC vosuduruka kuitira kuti anenge adomwa kukwikwidza akwikwidze muzita remubatanidzwa wavo.

"Mutemo wedu we MDC unoti secretary general anofanira kuti adeedzere kuti kune vanhu vari kuda kuita ma candidates vaya vachikwanisa kunyoresa, kana kuti ku apulaya saka inguva yekuti tinofanirwa kunge tichipa vanhu kuti vanyorese," VaMwonzora vanotsanangura.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti VaTsvangirai vaifanirwa kutanga vataura naVaMwonzora vasati vapindura oane zvakabuda mubepanhau re Sunday Mail, iro rava nenguva yakareba richiburitsa nyaya dzinosvibisa zita raVaTsvangirai nebato ravo.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naVaTsvangirai kuti tinzwe divi ravo, kanawo mutauriri wavo, VaLuke Tamborinyoka.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG