Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inotungamirwa naMuzvare Khupe Yoita Kongiresi yeChimbichimbi neMugovera kuBulawayo


Muzvare Thokozani Khupe
Muzvare Thokozani Khupe

MDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe iri kuita kongiresi yechimbi chimbi nemusi weMugovera kuBulawayo.

Bato iri rinoti riri kuita kongiresi iyi sezvinodiwa nebumbiro remitemo yebato zvichitevera kushaya kwemutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai.

Mutauriri wabato iri, VaObert Gutu, vanoti vamiririri veMDC-T vazhinji vari muparamende vari kudivi ravo vari kutarisirwa kunge vari kukongiresi iyi.

VaGutu vanoti bato ravo harina kuvhara musuwo pakushanda nemamwe mapato, kusanganisira MDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, kana zvichiitwa muchokwadi uye nechinangwa chekubatsira nyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG