Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vovimbisa Mauto neVashandi Munyika Uchi neMukaka Kana Votonga


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaita misangano miviri kuManicaland vachiudza vatsigiri vavo kuti hurumende yavachaumba mushure mekukunda musarudzo, ichaita kuti hupenyu hwevashandi vose muyika hunake.

Vachitaura vari kumisangano miviri yavaita kwaMurambinda nekwaMakoni, VaChamisa vati vanoremekedza zvikuru mauto, vachiti mauto vanhu vanoshanda zviri pamutemo, uye vachatambira nemaoko maviri munhu achasarudzwa kuve mutungamiri wenyika anenge asiri weZanu PF.

VaChamisa vatora mukana uyu kutaurawo pamusoro perwendo rwavo kuBritain, vachiti Zimbabwe inyika inoda rubatsiro kuitira kuti sarudzo dziitwe nenzira kwayo, uye pasina mhirizhonga.

“Pane vanachiremba nevana mukoti nematicha. Vese nyaya yavari kutaura ndeyekuti ‘tinoda kudzokera kumusha tivake nyika yedu’. Ndikati, mirai. Musadzoka mudura musati mabviswa zvipfukuto. Munorimira pasina. Regai nditange ndadira mushonga muzvipfukuto mouya ndaisa mushonga uya,” VaChamisa vaudza mhomho yevanhu.

“Parwendo rwedu kuUK, takange tiine zvinhu zvitatu. Chokutanga, tinoda kuti mutibatsirewo munyika medu kuti tiite sarudzo dziri pachena. Pasaita anorova munhu, pasaita anotuka munhu. Uyai mutibatsire muZimbabwe kuti sarudzo dzedu dziitewo zviripachena sezvinoita kune dzimwe nyika. Nekuti izvi zvinoda kuitwa neAU neSADC kusanganisa neEU nanaBritain. Sarudzo dzedu ngadzifambe,” vatsanangura VaChamisa

Asi VaChamisa vayambira zviuru nezviuru zvevanhu zvauya kuzonzwa vachitaura, kuti MDC Alliance haisi kuzopinda musarudzo kana zvavari kuda zvisina kugadziriswa.

Vachitaurawo pamusangano waitirwa kwaMakoni, mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, vati sarudzo dzichaitwa munyika hadzina kuoma sezvo zviri kumunhu kuti asarudze chakanaka kana chakaipa

Misangano miviri iyi yanga iri yekutanga zvichitevera kudzoka kwavo kumusha mushure mekushanyira Britain, uko VaChamisa vakasangana nemutungamiri wenyika iyi, Amai Theresa May, pamwe negurukota rinoona nezveAfrica muBritain, VaBoris Johnson.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG