Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veMDC Vanobvuta Muzinda weBato reMDC, Harvest House


Harvest House - Morgan Tsvangirai House

Vechidiki mubato veMDC neSvondo manheru vakatora muzinda webato iri, weMorgan Tsvangirai House, iyo yaimbozivikanwa nezita rekuti Harvest House, vachiti vaneta nekurwisana kuri kuitika mubato iri.

MuMDC mave nenguva refu mune kusagadzikana apo bato reMDC-T, riri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, richirwisana nebato reMDC Alliance, rinotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Mwedzi mina yapfuura, bato reMDC-T rakatora muzinda uyu kubva mumaoko eMDC Alliance.

Umwe wevakuru vevechidiki muMDC Alliance, uye vachimirira Highfield East muparamende, VaHappymore Chidziva, vaudza Studio 7 kuti vechidiki vakatora Morgan Tsvangirai House havasi kuti ndeve MDC-T kana MDC Alliance asi vanoda kuti bato reMDC rirwire rusununguko rwevanhu kwete kuswera vachirwisana pachavo. VaChidziva vati vechidiki vatora muzinda uyu vachabudisa zvichemo zvavo nezvavanoda kuti zviitwe pavachataura nevatori venhau mangwanani anhasi, Muvhuro, nenguva dza 10 o’clock pa muzinda uyu.

VaChidziva vati, “Vechidiki veMDC, vanove vange vachipokana pamakakatanwa akavapo kubva pamutongo weSupreme Court, vabatana pamwe chete vakati havachada kuti parambe pachiitika matakanana nekuti nyaya yehupenyu hwavo hwamangwana ndiyo yakakosha.”

Chimwe chezvinodiwa nevechidiki ndechekuti kupopotedzana nekurwisana mukati mebato iri kupere uye kuti vakuru vebato iri vashande pamwe chete.

Sachigaro wevechidiki veMDC-T mudunhu reHarare, VaPaul Gorekore, vanonzi vakashanda zvikuru panyaya iyi uye vakakwanisa kunzwanana nevechidiki veMDC Alliance.

VaGorekore vakaudza vatori venhau nemusi weSvondo kuti vechidiki vanoshora Muzvare Thokozani Khupe, vachivapomera mhosva yekubatsira Zanu-PF mukushungurudza vanhu munyika.

VaChidziva vati vechidiki vachazivisa vanhu zvizhinji pavachataura nevatori venhau mangwana, Muvhuro, mangwanani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG