Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorambidza Kuratidzira muHarare, Bulawayo neGweru


MDC Demos - Harare
MDC Demos - Harare

Bato reMDC rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti richaita musangano wevatungamiriri vebato iri kuti vabvumirane gwara rekutora mushure mekurambidzwa kuratidzira kwakaitwa bato ravo.

Vanoronga zvemabasa muMDC, VaAmos Chibaya, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinoda kutsvaka nzira yekuti zvirongwa zvaro zvienderere mberi.

Mumazuva mashanu, hurumende yarambidza MDC kuti iratidzire muHarare nemuBulawayo uye kuratidzira kwange kuchifanirwa kuitwa muGweru nhasi kwarambidzwavo.

VaChibaya vati bato ravo rakaita zvese richitevedzera mutemo naizvozvo hapana chikonzero chekuti rirambidzwe kuratidzira sezvo irikodzro yevanhu pasi pebumbiro remutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG