Accessibility links

Breaking News

MDC-T USA Yoronga Musangano Wayo kuOhio neMugovera


MDC-T USA SUMMER SPLASH

Dunhu reMDC-T USA, iro rinotsigira MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, riri kuita musangano waro mukuru kuColumbus, Ohio, America nemusi weMugovera.

Sachigaro weMDC-USA inotsigira VaChamisa, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti vari kutarisira vanhu vakawanda kubva kumativi mana eUnited States, avo vachange vachizeya zvingaitwe nepurovhinzi iyi mukubatsira munyaya dzesarudzo kumusha.

“Musangano uyu, urikuunganidza vanhu veMDC varimunharaunda yeColumbus, Ohio, nevamwe vachauya vachibva mune mamwe matunhu muno muUnited States,” VaRuzvidzo vakaudza Studio 7. “Musangano wedu ndewe zuva rimwe chete uye tichaita musangano tichisarudza vatungamiri vedunhu redu. Chimwezve chatichaita kuparura MDC-T USA ‘website’ zuva iri.”

Bato reMDC-T rakapatsanukawo muAmerica zvichitevera kushaya kwevaive mutungamiri webato, VaMorgan Tsvangirai, muna Kukadzi.

VaChamisa vari kutungamira imwe MDC-T, ukuwo Muzvare Thokozani Khupe, vari kutungamirawo MDC-T vachiti ndivo mutungamiri wechokwadi zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai.

VaChamisa vanotiwo ndivo vakadomwa neNational Council yebato kuti vave mutungamiri webato mutsva.

Kunetsana kwevaviri ava kuri mumatare ayo akatarisirwa kubuda nemutongo wekuti ndiyani chaiye mutungamiri weMDC-T zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG