Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inopa Mari Inopiwa Mapato Pasi peMutemo wePolitical Parties Finance Act kuMDC-T, Kwete kuMDC Alliance


Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T Muzvare Thokozane Khupe nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelsn Chamisa.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T Muzvare Thokozane Khupe nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelsn Chamisa.

Hurumende svondo rapera yakapa mari inopiwa mapato ezvematongerwo enyika pasi pemutemo wePolitical Parties Finance Act inoita mamiriyoni manomwe nemazana mashanu ezviuru zvemadhora emunyika kubato reMDC-T iro riri kufanotungamirwa naMuzvare Khupe, kunyange hazvo bato iri risina kuwana mavhoti anoita kuti rikodzere kupiwa mari iyi.

Mari iyi yaifanirwa kupiwa kubato reMDC Alliance riri kutungamirwa naVaNelson Chamisa, iro rakawana mavhoti akawanda anodarika zvikamu zvishanu kubva muzana zvinofanirwa kuwanikwa nebato pasarudzo kuti rikodzere kuwana mari iyi.

Hurumende inonzi yakapa bato iri mari iyi zviichitevera mutongo wedare reSupreme Court, iro rakati MDC Alliance harisi bato rezvematongerwo enyika sezvo yakabva mumubatanidzwa wemapato masere akapinda musarudzo pasi peMDC Alliance.

Muna Chivabvu mutongi wedare reHigh Court, Justice Nyaradzo Munangati-Manongwa vakapa mutongo unorambidza hurumende kupa mari iyi kubato reMDC-T mushure mekunge MDC Alliance yaendesa gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi pamwe negurukota rezvemari muzvinafundo Mthuli Ncube kumatare richida kuti VaZiyambi varipe mari iyi.

Asi hurumende yakazopikisa mutongo uyu kudare repamusorosoro reSupreme Court, iro risati ranzwa nyaya iyi.

Bato reMDC-T rinoti ndiro rinokodzera kwana mari iyi sezvo riri iro bato riri pamutemo, richiti MDC Alliance mubatanidzwa waive nemapato manomwe kusanganisira nairo bato reMDC-T.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaFelix Magalela Mafa-Sibanda, vanoti zvakaitwa nehurumende zvekupa mari kuMDC-T mucherechedzo wekuti bato iri riri kushandiswa neZanu PF. VaMagalela Mafa vanoti sebato vave kusiya zvose mumaoko evanhu vanove ndivo vane zvido zviri kumbunyikidzwa.

Hurukuro naVaFelix Magalela Mafa-Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta rezvemitemo, vachidzidzisa zvemutemo pa Univesirty of Kent, Doctor Alex magaisa, vanoti izvi zvaitwa nehurumende hazvinyanye kushamisa asi yakapotsa zvikuru sezvo nyaya iyi yanga ichiri kumatare edzimhosva.

Hurukuro naDoctor Alex Magaisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG