Accessibility links

Breaking News

MDC T Youdza Nhengo Dzayo kuMatabeleland Zviri Kuitika Mudare reSenate


Douglas Mwonzora, secretary general for the Movement for Democratic Change Alliance, says his party has gathered enough material to confirm that President Emmerson Mnangagwa has actually not won the July 30 general election and that his announced victory
Douglas Mwonzora, secretary general for the Movement for Democratic Change Alliance, says his party has gathered enough material to confirm that President Emmerson Mnangagwa has actually not won the July 30 general election and that his announced victory

MDC T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzoro inoita musangano kudunhu reMatabeleland wekuzivisana nevatsigiri vayo pamwe nekuzeya nzira dzekuwedzera mavhoti mudunhu iri kuitira kuti panozoitwa sarudzo, bato iri rinenge riine vatsigiri vakawanda.

Musangano uyu wazeyawo zviri kuitika mudare reSenate.

Pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muBulawayo, VaDouglas Mwonzora, vati vanga vachisangana nevatsigiri vavo mudunhu reMatebeleland North senzira yekugadzirisa mamiriro ebato ravovachiti nhengo dzavo dziri kutsigira zvakanyanya bato ravo

VaMwonzora vatiwo vatora mukana kutsanangurira vatsigiri vavo zviri kuitika mudare reparamende panyaya yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika.

VaMwonzora vati bato ravo, iro rine dzimwe nhengo dzedare reNational Assembly dzakatsigira kuvandudzwa kwebumbiro rebhiri remutemo weConstitutional Amendment Bill Number 2, richange richiita musangano svondo rinouya wekubvumirana kuti nhengo dzaro dzichange dzichivhota sei mudare reSenate.

VaMwonzora vatiwo sebato vanotsigira zvakanyanya kuwedzerwa kwemadzimai, nevechidiki mudare reNational Assembly pamwe nekupiwa masimba kumatunhu.

Asi vati havatsigiri zvachose nyaya yekuwedzerwa kwemakore evatongi vematare.

VaMwonzora vashorawo masangano akazvimiririra vachiti ari kushoropodza bato ravo nekudakwenhengo dzavo dzeNational Assembly dzakavhotera kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika vachiti masangano aya angadai ari kuita hurukoro navo kwete zvekunyombana.

Asi VaOwen Dhliwayo vanoshanda nePlatform for Youth Development vati VaMwonzora vari kurashika uye nhengo dzavo dzakavhotera kuvandudzwa kwebumbiro remitemo hadzizivi zvadzakavhotera.

VaDhliwayo vatiwo bato raVaMwonzora rakakanganisa zvikuru nekuvhotera kuvandudzwa kwebumbiro risati rashandiswa zvakazara

Masangangano akazvimiririra pamwe nemamwe masangano anopikisa akashora zvikuru nhengo dzedare reNational Assembly zana nemakumi mapfumbamwe neimwe dzakavhotera kuvandudzwa uku.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rakabuda nechisungo nezuro hekupikisa kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika richiti izvi zvakaitwa nenzira inotyora bumbiro remitemo yenyika.

Svondo rapera, gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaNqobani Sithole, vakasvitsawo chikumbiro chavo mudare reConstitutional Court vachiti dare reSenate harikwanisi kuzeya Constitutional Amendment Bill Number 2 nokuti mutemo wakaita kuti bhiri iri riumbwe, Constitutional Amendment Bill Number 1, yakashandiswa zviri kunze kwemutemo, sezvo nguva yebhiri iri, yakapera zviri pamutemo pakapera paramende yechisere musi wa 29 Chikunguru 2018.

VaSithole vanoti kudzoswa nerweseri kwakaitwa Constitutional Amendment Bill Number 1 mudare reSenate kutanga kwemwedzi uno, kwakaitwa nenzira inotyora bumbiro remitemo yenyika rakatanga kushanda muna 2013.

Dare iri harisati rapa muting waro panyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG