Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weChimwe Chikwata cheMDC-T, Muzvare Khupe, Vokurudzira Madzimai Kuti Asavhotere Zanu PF naVaMwonzora


Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T Muzvare Thokozani Khupe

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, nhasi vaparura chirongwa chinokurudzira madzimai kuti asavhotere bato reZanu PF pamwe nechimwe chikwata cheMDC-T chinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora musarudzo dzema by-election dziri kuitwa muna Kurume, icho madzimai achange achirova mapoto, chinonzi #Beat the Pot.

Vachitaura pakuparura chirongwa ichi muBulawayo, Muzvare Khupe vati chirongwa chavo ichi chakanangana nekukurudzira kuti rusarura rwakanangana nemadzimai rwumiswe.

Mutauriri waMuzvare Khupe VaNtando Ndlovu, vanoti Zanu PF nebato raVaMwonzora vabatana kuti vadzvanyirire vanhukadzi kuburikidza nekuvabvisa muzvigaro sezvavanoti zvakaitwa kunaMuzvare Khupe zvekubviswa muparamende.

VaNdlovu vanotiwo chikonzero chekuti madzimai ange achirova mapoto ndechekuratidza kuti madzimai haana chekubika mudzimba. Studio 7 yakundikana kubata mutauiri weMDC-T yaVaMwonzora VaWitness Dube, kanawo vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaMike Bimha.

Hurukuro naVaNtando Ndlovu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG