Accessibility links

Breaking News

Hondo Pakati paVaChamisa naMuzvare Khupe Yekuti Nderipi Bato Riri paMutemo Yopinzawo Zanu PF Mukati


Sachigaro weMDC mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora.
Sachigaro weMDC mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora.

Makakatanwa pakati pebato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa neMDC inotungamirirwa naMuzvare Thokozane Khupe pamusoro pemutongo wedare repamusorosoro wekuti MDC idzokere payaive muna 2014, ave kuonekwa nevamwe muMDC seari kukonzerwa nebato riri kutonga reZanu PF kuitira kuti riparadze bato guru rinopikisa iri.

Asi veZanu PF vanoti bato reMDC yaVaChamisa rinofanirwa kudzidza zvakakoshera kutevedzera bumbiro remitemo yaro pamwe neyenyika, rotambira zvakabuda mudare repamusorosoro iri, ropa matomu kuna Muzvare Khupe zvinhu zvoenda mberi, kwete kupumha vamwe huroyi.

Asi sachigaro veMDC mudunhure North America, VaTawanda Dzvokora, vanoti sevana veMDC, vaneta nehwavanoti hufirifiri hweZanu PF, izvo zvasvitsa pakuti vatore matanho ekumisa nhengo dzavo kuenda kudare reparamende kusvika zvinhu zvagadziriswa.

"Tinoda kuona kuti Zanu PF inoramba ichitonga here nyika isina paramende. Isisuwo kuno uku ticharamba tichimiramira tichiudza nyika yose kuti Mnangagwa ari kutonga nyika isina paramende," VaDzvokora vanodaro.

Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira, vanoti kana nhengo dzeMDC dzikasaenda kuparamende, dzinongonyimwa mihoro kana kudzingwa zvakare zviri pamutemo.

VaCharumbira vanoti MDC yaVaChamisa payakaenda kukongiresi yakataura iyo kuti iyi yaive kongiresi yayo yechishanu, kwete yekutanga, izvo zvinoreva kuti vaibvira pakasiiwa nevaive mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai.

"MDC Alliance payakaenda kuCongress yakataura iyo kuti this is the Fifth Congress. Vanhu ava kana vachiti vakaenda kuCongress, vari kuti Congress yachona inhamba 5, toda kuvabvunza kuti Alliance yakatanga riini, party yeAlliance?" VaCharumbira vanobvunza.

Kunetsana kwemapoka maviri aya kwasvitsawo pakuti varwire mari inobva kuhurumende yemapato ane nhengo dziri kuparamende.

Hurukuro naVaTawanda Dzvokora pamwe naVaRegis Charumbira
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG