Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Muzinda Wayo Wakarwiswa Mumhirizhonga Yekuratidzira


Muzinda weMDC weMorgan Tsvangirai House muHarare. Vanhu vasati vazivikanwa vanonzi vakarwisa muzinda uyu usiku hweMuvhuro.

Bato reMDC rinoti muzinda waro weMorgan Tsvangirai House, uyo unozivikanwa zvakare nerekuti Harvest House uri muHarare, vakapiswa neMuvhuro usiku nevanhu vasati vazivikanwa kuti ndivanaani.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti motokari dzingangosvika gumi dzakanga dzisina kunyorwa, dzakasvika pamuzinda wavo dzizere nevechidiki avo vakapaza musuwo ndokurova vanochengetedza muzinda uyu vasati vakanda mabhambu epeturu munzvimbo inosvikira vanhu.

Vanotiwo midziyo yebato pamwe nemafafitera emahofisi avo zvakaparadzwa muchiitiko ichi. VaMafume vanoti vachaendesa nyaya iyi kumapurisa, kunyange hazvo vachiti vanoziva kuti hapana zvinobatsira zvinobudako.

Kurwiswa kwemuzinda webato rinopikisa iri kunoiitika pazuva rekutanga vanhu vapinda mumigwagwa vachiratidzira kusafara kwavo nekukwidzwa kwemutengo wemafuta edzimotokari.

Izvi zvakatangira pakusaenda kumabasa kwakakurudzirwa nesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, senzira yekuratidza kutsutsumwa nekukwidzwa kwemutengo wemafuta ekufambisa.

Studio 7 yakundikana kubata mapurisa panyaya iyi.

Asi VaMafume vanoti kunyange hazvo vaparadzirwa muzinda wavo, sebato rerunyararo vari kukurudzira nhengo dzavo kuti dzirambe dzichiremekedza runyararo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG