Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvoratidzira kuUnited Nations


VaNicholas Mada

Bazi reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, reMDC North America, rinoti richaratidzira pamwe chete nemamwe masangano ku United Nations muNew York kutangidza nemusi weChishanu.

Vanoona nezvekurongwa kwemabasa muMDC North America, VaNick Mada, vaudza Studio 7 kuti pane masangano akasiyana siyana achange achivatsigira mukuratidzira uku, vachiti kuratidzira kukuru kuchaveko nemusi weMugovera apo zvizvarwa zveZimbabwe zvinotarisirwa kusvika mu New York.

VaMada vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kubva kuCanada nemumatunhu eAmerica akaita seCalifornia, Texas, Minnesota, Massachusetts, Washington D.C. nekumwe.

VaMada vanoti chinangwa chekuratidzira uku ndechokuti nyika zhinji dziziviswe nezve kushungurudzwa kuri kuitwa vanhu muZimbabwe, kupambwa kwavari kuitwa, kutyorerwa kodzero dzavo uye kuomeserwa hupenyu kwavari kuitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG