Bato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinonzi ramisa danho rakanga ratorwa nedunhu reMatabeleland North rekudzinga meya weVictoria Falls, VaSomvelo Dlamini, richiti kudzingwa kwavo kwakaitwa zvisiri pamutemo.
VaDlamini vakanga vadzingwa mubato mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekukanganisa mashandiro emusangano kuburikidza nekusatevera zvisungo pamwe nekuzvidza zviga zvemusangano.
VaDlamini vanonzi vakaramba kuteerera kurudziro yebato yekuti vakwikwidze semutevedzeri wameya vachisiira chigaro chameya kune imwe nhengo yebato yaidiwa nehutungamiri.
Asi munyori mukuru weMDC, VaDouglas Mwonzora, vanonzi svondo rino vakanyorera dunhu reMatabeleland North tsamba vachirizivisa kuti rakanga risina kutevera mutemo pakudzinga VaDlamini mubato.
Izvi zvinonzi ndizvo zvimwechete kune mutevedzeri wameya weBulawayo, VaTinashe Kambarami, avo vanonzi vakanga vapiwa mazuva manomwe kubva musi weMuvhuro svondo rino kuti vasiye basa, kukundikana kwavo vodzingwa mubato.
Asi dunhu reBulawayo rinonzi riri kuti zvarakaita zvose zviri pamutemo webato.
Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti mutemo webato ravo wakajeka kwazvo panyaya yekuti mameya anoshanda sei, uye vese vaifanirwa kusarudzwa semameya nevakazopinda kuita mameya vakaudzwa nemutungamiri webato zvinofanirwa kuitwa.
VaMafume vanoti vese vari kupomerwa mhosva dzekutyora bumbiro remitemo yebato vachamiswa pamberi pekomiti inoranga nhengo kana kuti disciplinary committee.
Panyaya yameya weVictoria Falls, VaMafume vanoti vanozotaura pamusoro penyaya iyi kana chete VaDlamini vatambira tsamba inobva kukomiti inoronga nezvemusangano.
Facebook Forum