Accessibility links

Breaking News

Kuratidzira kweMDC-T Koitwa Musi wa14 Kubvumbi


MDC supporters have stuck to their leader Morgan Tsvangirai over the years. (Photo: MDC Facebook Page)
MDC supporters have stuck to their leader Morgan Tsvangirai over the years. (Photo: MDC Facebook Page)

Izvi zvinotevera danho ratorwa nebazi rinoona nzvekuchengetedzwa kwerunyararo reJoint Operation Command, iro rati kuratidzira kweMDC-T kuri kuitwa musi uchange mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachisangana nevaimbove varwiri verusununguko.

Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, iro ranga rakaronga kuratidzira musi wa7 Kubvumbi, rinoti rave kuzoratidzira musi wa14 Kubvumbi.

Izvi zvinotevera danho ratorwa nebazi rinoona nzvekuchengetedzwa kwerunyararo reJoint Operation Command, iro rati kuratidzira kweMDC-T kuri kuitwa musi uchange mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachisangana nevaimbove varwiri verusununguko.

Vachitaura neStudio7 nhasi, VaMorgan Komichi, avo vari kutungamirira kuratidzira uku vanoti kudaidzwa kwavo neJoint Operation Command hazvisi zvinhu zvitsva sezvo pose pavanoda kuratidzira vachidaidzwa nebazi iri.

VaKomichi vati vaudzwa neJOC kuti havagoni kuenderera mberi nekuratidzira musi uyu sezvo VaMugabe vachange vachisangana nevaimbove varwiri vehondo yerusununguko musi wakare.

VaKomichi vati vane chivimbo chekuti vachawana mvumo yekuratidzira sezvo bato reZanu PF richiratidzira parinodira.

Sachigaro wevechidiki mubato reMDC, VaHappymore Chidziva, vati ratidziro iyi ndeyekuratidza kunyunyuta kwevana veZimbabwe nekushaikwa kwemabasa munyika pamwe nekurarama kweveruzhinji vachinhonga svosve nemuromo.

VaChidziva vatiwo pavo vatopedza nekuudza mapurisa nezveratidziro yavo nekudaro havazomiriri mvumo.

Bato reMDC rinoti kunyange hazvo VaMugabe pavaitsvaka rutsigiro muna 2013 vakavimbisa kuti kwaizoumbwa mabasa anosvika mamiriyoni maviri, zviri kuitika ndezvekuti panozosvika sarudzo muna 2018, vanhu vane huwandu humwewo vari pamabasa vachange vamiswa mabasa.

Bato reMDC ratiwo richaratidzira zvine runyararo.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG