Accessibility links

Breaking News

Vasori Vanotadzisa VaChamisa Kupinda muNational Sports Stadium


VaNelson Chamisa parufu rwaOliver Mtukudzi

Zviuru nezviuru zvevanhu zvinonzi zvatadza kupinda muNational Sports Stadium kuti zvinoonekana nemutumbi wemuimbi ane mukurumbira, Oliver Mtukudzi, uyo akaitwa gamba nehurumende.

Mtukudzi akashaya nemusi weChitatu mushure mekurwara nechirwere cheshuga.

Vatadziswa kupinda munhandare iyi vanosanganisira muimbi ane mukurumbira, Winky D, pamwe nemutungamiri weMC, VaNelson Chamisa, avo vanonzi vatadziswa kupinda munhandare iyi nevasori.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende sezvo nhare yemunyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va Nick Mangwana, yanga ichinetsa kubata.

Mushure mekuonekwa muNational Sports Stadium, mutumbi wa Mtukudzi watakurwa uchiendeswa kumuzinda wemauto eOne Commando, uko wazotakurwa nechikopokopo uchiendeswa kumusha kwake.

Mutukudzi acharadzikwa neSvondo kuMadziwa.

Mtukudzi akashaya ave nemakore makumi matanhatu nematanhatu, uye asiya mudzimai, Daisy, vana nevazukuru.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vaudza Studio7 kuti mushure mekubvunzurudzwa pamusuwo weNational Sports Stadium kwenguva yakareba nevasori vehurumende, VaChamisa vaona zvakakodzera kuti sezvo nyika iri pakati pekuchema gamba, zviri nani kuti vasuduruke kuitira kuti kuchemwa kwaMtukudzi kuenderere mberi zvakanaka, ivo ndokubva vadzokera zvavo kumba.

“Inyaya yange ichirongwa nevanhu vedu vanosanganisira munyori mukuru, VaDouglas Mwonzora, naVaCecil Zvizvai,” VaMafume vaudza Studio 7. “Pavange vachironga mapindiro anofanirwa kuitwa naVaChamisa, ndipo pavaudzwa kuti zvirikunetsa asi Havana kuudzwa chikonzero. Pange pachingononotswa kusvika tangozoona kuti zvirinani kuti mutungamiriri wedu abvepo.”

Vachinyora padandemutande reTwitter, VaMwonzora vati vaedza kutaurirana nevasori vehurumende kuti vaone kuti zvavange vachiita handizvo asi Havana kuteererwa vachibva vatora VaChamisa vakaenda navo kumba.

“Hatidi kutora rufu rwaMtukudzi tichipinza nyaya dzezvematongerwo enyika maruri,” vadaro VaMafume. “Ngatichemei VaMtukudzi nehunhu nekuti zuva ranhasi mhuri yekwaMtukudzi ndiyo iri kudzimbiwa.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG