Accessibility links

Breaking News

Gakava Pakati peMDC Alliance neMDC-T Rinoenderera Mberi


MDC Alliance Logo
MDC Alliance Logo

Gakava pakati pemapato anopikisa, eMDC-T, inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, neMDC Alliance, inotingamirirwa naVaNelson Chamisa, ririkuenderera mberi, mapato aya achikandirana makobvu nematete.

Bato reMDC Alliance rinoti bato reMDC-T riri kubatsira bato ririkutonga, reZanu-PF, mukuvhiringa basa ririkuitwa nenhengo dzaro dzeparamende nemakanzuru dzakasarudzwa nevanhu.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti kudzingwa kuri kuitwa vamiriri vebato ravo mumakanzuru nemuparamende kune chinangwa chekuti vanhu veruzhinji vaone sekuti MDC Alliance haigoni basa, sezvo vamiriri vanofanirwa kuita basa iri vadzingwa uye vasisakwanisi kushandira vanhu vakavasarudza.

Vanoti izvi zvinobatsira bato reZanu-PF sezvo richiedza kuvharidzira kutadza kwaro basa sezvinoonekwa mukuvhiringa vamiriri vanoferefeta mashandisirwo arikuitwa mari nehurumende, saVaTendai Biti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri wemutungamiri weMDC-T, VaLloyd Damba, vakaudza Studio 7 kuti vanhu vanozviti MDC Alliance vaifanirwa kutevedzera mutemo kubva pekutanga. VaDamba vanoti bato ravo riri kudzinga vanhu vakari pandukira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG