Accessibility links

Breaking News

MDC Yoronga Kupikisa Mutongo weElectoral Court kuChegutu East


Sarudzo yemumiriri weChegutu East yakaita mutauro zvichitevera mashoko eZEC ekuti VaDexter Nduna ndivo vakakunda VaGift Konjana.

Bato rinopikisa reMDC rinoti riri kuronga kuenda kudare repamusorosoro reSupreme Court richipikisa mutongo wakapiwa nedare reElectoral Court wekuti vakakwikwidza vakamirira Zanu PF musarudzo dzekutsvaga mumiriri weChegutu East muparamende, VaDexter Nduna ndivo vakakunda VaGift Konjana veMDC musarudzo iyi.

VaKonjana vakanga vakwira kudare reElectoral Court vachida kuti rirase zvakanga zvaziviswa neZimbabwe Electoral Court zvekuti vaNduna Ndivo vakanga vakunda, sezvo iyo ZEC yakanga yatenda kuti yakanga yakanganisa kuti VaNduna ndivo vakakunda, ichiti iyo yakanga isina masimba ekudzora zvainenge yazivisa.

Asi dare iri rakarasa nyaya iyi richiti magweta aVaKonjana akanga asina kutevera mutemo zvinodiwa nemutemo wesarudzo. Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume vanoti bato ravo rinoona sekuti rakabirwa nemutongo uyu, izvo zvaita kuti vade kukwira kudare repamusorosoro.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG