Accessibility links

Breaking News

Dunhu reMDC North America Roronga Kuratidzira muWashington D.C. neChishanu


Nhengo dzeMDC dzichiratidzira pamuzinda weZimbabwe uri muWashington D.C.
Nhengo dzeMDC dzichiratidzira pamuzinda weZimbabwe uri muWashington D.C.

Nhengo dzebato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reNorth America dzinoti dziri kuronga kuratidzira kumuzinda weZimbabwe muWashington D.C. nemusi weChishanu svondo rino dzichitsigira dzimwe nhengo dzebato iri dzicharatidzira muHarare pazuva rimwe chetero.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC mudunhu reNorth America, VaTimothy Muringai, vanoti vari kukoka munhu wese ari muAmerica neCanada anokwanisa kubatana navo zvisineyi nekuti ndewe bato ripi.

VaMuringai vanoti sebato vatora danho iri nekuona kuti zvinhu kumusha zviri kunetsa munhu wese, zvisineyi nekuti ndewebato riri kutonga here kana kuti kwete, vachitiwo hurumende yeZanu PF yauraya nyika.

Hurukuro naVaTimothy Muringai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi sachigaro veZanu PF muAmerica, VaFrenk Guni vanoti havaone zvazvinobatsira zvekuti MDC iratidzire kumuzinda wenyika muWashington D.C., asi iyo ichiramba kupinda munhaurirano dziri kukokerwa naVaEmmerson Mnangagwa dziri kupindwa nemamwe mapato ezvematongerwo enyika.

VaGuni vanoti bato ravo harisi kuzobvumidza zvarakamboona apo MDC yakaratidzira zvekuparadza midziyo pamwe nekurambidza vamwe vanhu vanenge vachida zvavo kuzviitira mabasa avo, vasineyi nezvematongerwo enyika.

Hurukuro naVaFrenk Guni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG