Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veMDC Vanga Vari muHusungwa Vanopiwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Mumwe wevechidiki veMDC vanga vari muhusungwa, VaMakomborero Haruzivishe.
Mumwe wevechidiki veMDC vanga vari muhusungwa, VaMakomborero Haruzivishe.

Vechidiki vaviri veMDC, vanoti VaMakomborero Haruzivishe naVaAllan Moyo, avo vanga vari muhusungwa kubva svondo rapera pavakasungwa vachinzi vakapinda mukuratidzira kusina mvumo, vapiwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kutongwa vachibva kudzimba dzavo.

Vaviri ava vakatanga kupinda mudare neMugovera asi vakanzi vadzoke zvakare mudare neMuvhuro mushure mekunge vachuchisi vapikisa kuti vasapiwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti vanogona kupara zvakare mhaka dzavari kupomerwa kana kukundikana kuzodzoka kudare.

Gweta ravo, VaObey Shava veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti vaviri ava vabhadhariswa mari inoita chiuru chemadhora emari yemunyika pamunhu, uye vanzi vasavhiringidza vafakazi, vagare pakero dzavapa kudare, pamwe nekuzviratidza kumapurisa kaviri pasvondo.

VaShava vanoti VaHaruzivishe naVaMoyo, avo vari kuramba mhosva iyi, vanzi vagodzoka kudare musi wa 09 Kurume, unove mwedzi unoya.

VaHaruzivishe naVaMoyo vakasungwa pamwechete nevamwe vechidiki makumi matatu nevana vachipomerwa mhosva yekupinda mukuratidzira kwakarongwa nevechidiki veMDC neChitatu chapfuura, asi vamwe makumi makumi maviri nevaviri vakazoregwa vachienda vasina mhosva dzavakapomerwa.

VaShava vanoti semagweta anorwira kodzero dzevanhu, vari kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vari kusungwa zvisina shumo, vavanoti vari kutyorerwa kodzero dzavo nehurumende.

Hurukuro naVaObey Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG