Accessibility links

Breaking News

Sarudzo dzeKutsvaga Achamirira MDC muBy-Election kuChegutu Dzinotadza Kubudirira


Munyori anoona nezvesarudzo muMDC, VaJacob Mafume.(C Mavhunga/VOA)
Munyori anoona nezvesarudzo muMDC, VaJacob Mafume.(C Mavhunga/VOA)

Sarudzo dzebato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa dzekutsvaga vachamirira bato musarudzo ye by-election ichaitwa muwadhi 2 muChegutu dzakatadza kuenderera mberi neMugovera mushure mekunge dzimwe nhengo dzebato iri dzakapomera vakuru vebato mhosva yekuda kubirira sarudzo iyi kuburikidza nekuda kumanikidza vaikwikwidzana kuti vawirirane asi ivo vasingade.

Vamwe vevanhu vasingadarike zana avo vainge vauya kusarudzo iyi, iyo ichaitwa mwedzi unouya, vakaimba vachiti vaida kuti paitwe sarudzo mushure mekuona kuti mukana wekuitwa kwesarudzo wakanga worambwa nemunyori anoona nezvesarudzo mubato iri, VaJacob Mafume.

VaMafume vakanga vachiti nhengo dzaikwikwidzana dzaifanirwa kungowirirana kuti angamirira bato ndeupi, pane kuti dzipinde musarudzo dzema primary.

Asi VaMafume vakati zvavakaita ndizvo zviri mubumbiro remitemo yebato ravo zvekuti vari kukwikwidzana vanofanirwa kutanga vapihwa mukama wekuti vawirirane pachavo kuti ndiyani ane mukana wekukunda kana kuti consensus.

Patakabvunza VaMafume kuti sei nhengo dzehutungamiri hwebato hwepamusoro kana kuti National Council dzakadzika kuwadhi kuzoitisa sarudzo dzema primary ipo paine hutungamiri hwedunhu guru kana kuti purovhinzi, vakati ivo semunyori mukuru wesarudzo mubato vanogona kuvapo uye panofanirwa kunge paine nhengo yepamusoro yeNational Council pasarudzo dzakaita seiyi.

Imwe nhengo yakapinda mumusangano wekusarudza nhengo ichakwikwidza isina kuda kudomwa nezita yakati vanhu vakanga vauya kusarudzo nekudaro pakanga pasina zvekuti vanhu vawirirane.

Dzimwe nhengo dzakati zvakaitwa hazvisi pamutemo sezvo nhengo dzose dzaifanirwa kuvhota kwete kuti vaifanirwa kuvhota vaite zvekukokwa nehutungamiri.

Imwe nhengo yebato iri iri kunyunyuta ndaVaGift Konjana. VaKonjana vanoti ivo nevamwe vavo vasina kukokwa pamusangano uyu vachasarudza imwe nhengo ichakwikwidzana nemunhu anenge asarudzwa neMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.

VaKonjana vanoti munhu avachasarudza achange akamirira MDC - T inotungamirwa naMuzvare Thokozane Khupe, vachiti kusakokwa kwavakaitwa mucherechedzo wekuti vakatorambwa mubato reMDC.

Asi sachigaro weMDC mudunhu reMashonaland West, VaRalph Magunje, vanoti VaKonjani havana kuvharirwa panze asi ivo ndivo vakapanduka.

Vaviri vaifanirwa kupinda musarudzo dzema primary muwadhi 2 ndaVaRydes Machekera naMuzvare Debra Zhanero.

Sarudzo dze by-election dziri kuitwa muwadhi 2 zvichitevera kushaya mwedzi wapera kwaAmai Memory Banda, avo vaive zvakare nhengo yebato reMDC yaVaChamisa.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG