Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC, VaChamisa, Vanoudza Vatsigiri Vavo Kugadzirira Kuratidzira


Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vanoti vachazivisa vatsigiri vavo kana nguva yekuti vapinde mumigwagwa vachiratidzira yakwana
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vanoti vachazivisa vatsigiri vavo kana nguva yekuti vapinde mumigwagwa vachiratidzira yakwana

Mutungamiriri webato reMDC, VaNelson Chamisa, nhasi vaudza vatsigiri vavo kuti vagadziririre kupinda mumigwagwa munguva pfupi inotevera vachiti vave pedyo nekuridza huhwi yekushevedza vakagadzirira kubatana navo mukuratidiza kuhurumende, iyo yavati iri kukonewa kutungamirira nyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nezviuru zvevatsigiri vebato ravo munhandare yeMucheke mudhorobha reMasvingo, VaChamisa vati vanhu vanofanira kuratidza kunyunyuta kwavo nekuoma kwakaita hupenyu munyika kuburikidza nekupinda migwagwa murunyararo vachitevedzera mutemo uri mubumbiroro renyika.

VaChamisa vapomera hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa mhosva yekuwondonga hupfumi hwenyika kuburikidza nehuori vachiti munyika zvinhu zvose zvave kunetsa kuwana.

Vati vanoshushikana zvikuru apo veruzhinji vanopedza nguva yakawanda vasina mvura nemagetsi asi vanotonga vachirarama hupenyu hwepamusoro.

Vati izvi zviri kukonzerwa nehuori muhurumende iri kutonga nekudaro zvinofanira kupera.

VaChamisa vaudza vatsigiri vavo kuti vakapinda mumigwagwa vachadzvanya hurumende kuti igopinda munhaurirano navo kuti nyika igadziriswe, asi vati havatarisiri kuti nhaururano idzi dzizoisa hurumende yemubatandizwa.

Vashoropodzawo hurumende vachiti haina hutongi hwejekerere uye iri kusimbirira kusunga vatungamiriri vebato ravo reMDC kuti ityisidzire vanhu kuitira kuti vasataure nezve kutambura kwavari kuita.

Vashoropodzawo hurumende iyo yavati yavarambidza kuona mutevedzeri wasachigaro webato ravo VaJob Sikhala avo vari mutirongo paMasvingo Remand Prison.

VaChamisa vati kuti nyika iwane zvose zvainoda zvakaita semagetsi, mvura, mari nezvimwe vanhu vanofanira kubatana kuti vabvise hurumende yeZanu PF, asi vachitevedzera mutemo wenyika.

Vachitaurawo pamusangano mumwe chete, mumwe wevatevedzeri wavo, VaTendayi Biti, vati nyika yeZimbabwe iri kutambudzwa nehurumende yapererwa nemazano.

Mukuru wevechidiki vebato iri, VaObey Sithole, vaudzavo vatsigiri vavo kuti vechidiki vanotsigira mutungamiriri wavo pakuti vanhu vapinde mumigwagwa.

VaChamisa vati vanhu vazhinji vakamirira kunzwa kuti kuratidzira kuchaitwa riini, vachiti vacharidza muridzo munguva shoma inotevera nekuti vakataura zuva vanongwadza hurumende.

Nyaya ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mumiriri weMabvuku/Tafara mudare reparamende, uye vari nhengo yeMDC, VaJames Chidhakwa, vanoti vabatwa zvisina kukodzera nemumwe mukuru wevarindi vepajeri reMasvingo Remand Prison pavaenda pajeri iri kuti vakumbire kuona mumiriri weZengeza West, uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala, avo vari muhusungwa.

VaSikhala vakasungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

VaChidhakwa vanoti ivo nevamwe vavo vanosanganisira nhengo dzeparamende dzechidzimai dzebato ravo, vaedza kuti vabvumidzwe kuona mumwe wavo, asi vashandi vepajeri iri vanga vari pabasa nguva iyi vanonzi vati havana simba rekuvabvumidza kuona musungwa, izvo zvazoita kuti vashandi ava vadaidze mukuru vavo.

VaChidhakwa vanoti vasundwa nekutukwa nemukuru wepajeri iri zvaoita kuti pashevedzwe mapurisa.

Vati vanga vasati vakwidza nyaya iyi kumapurisa sezvo vanga vachida kutanga vanzwa kubva kumagweta avo.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi reZimbabwe Prisons and Correctional Services pamusoro penyaya iyi, sezvo nhare yeMasvingo Remand Prison yanga isingadairwe.

Hurukuro naVaJames Chidhakwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG