Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzinosungwa kuMasvingo Dzichipomerwa Mhosva yeKuparadza Midziyo


Munyori wezvekurongwa kwemisangano VaGodfrey Kurauone.

Mapurisa mudhorobha reMasvingo asungwa munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muboka revechidiki rebato reMDC, uye vari kanzura veWard 4 mudhorobha reMasvingo, VaGodfrey Kurauone achivapomera mhosva yekuita zvemhirizhonga.

VaKurauone vanoti vatorwa nematikitivha matanhatu vachizoendeswa kukamba yemapurisa yeMasvingo Central Police Station, uko vasvikonyoreswa kwaro rekumhosva yavari kupmerwa yekuparadza midziyo inokosha madhora zana rezviuru.

Vanoti vari kunzi vakapara mhosva iyi pamhirizhonga yakaitika pakutongwa kwemutewedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala mudare repamusoro muMasvingo.

VaSikhala vaipomerwa mhosva yekuda kubvisa VaEmmerson Mnangagwa pachigaro asi vakazowanikwa nedare vasina mhosva.

Nemusi weChishanu wakare, mapurisa anonzi akasunga dzimwe nhengo dzebato iri ina dzichipomerwawo mhosva imwecheteyo.

VaKurauone vanoti vazoiswa mumaoko emagweta avo, uye vanotarisirwa kushevedzwa zvakare kumapurisa chero nguva kuti vasaine gwaro remhosva yavari kupomrewa vozoendeswa kudare redzimhosva.

Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kumapurisa panyaya iyi. Asi sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, razivisa kuburikidza nedandemutande reTwitter kuti ratumira magweta aro kuti abatsire vashanu ava.

Hurukuro naVaGodfrey Kurauone
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG