Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC Alliance Rokurudzira Vatsigiri Varo Kuti Vangwarire Kupinzwa Munyaya dzeKurwisana


Nelson Chamisa neMutungamiri weZambia, VaHichilema

MDC Alliance inoti misangano yayo yakafamba zvakanaka nezuro kuBikita East, Bikita West nekuZaka, mudunhu reMasvingo.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaGift Ostallos Siziba, vanoti chikuru chavari kuudza vatsigiri vavo ndechekuti varambe vakatarisana nebasa rinofanirwa kuitwa zvisina mhirizhonga mukati.

VaSiziba vati bato ravo richaramba richitaura nevanhu, richivazivisa zvirongwa zvaro, vachiti bato ravo harisi kuzopinzwa munyaya dzekurwisana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakafanobata chigaro chemurongi wemisangano muZanu-PF, VaPatrick Chinamasa, vakaudza vatori venhau kuti bato ravo harinei nekurwisana kunoitika pamisangano yeMDC Alliance, vachiti kurwisana uku kuri kukonzerwa nevanhu vanotsigira vanhu vakasiyana mubato reMDC Alliance.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG