Accessibility links

Breaking News

MDC Yoita Musangano Wayo muGweru neSvondo


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

MDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa ichaita musangano neSvondo muGweru wekutenda vatsigiri vayo vakaivhotera musarudzo dzakaitwa gore rakapera.

Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vaudza Studio7 kuti bato ravo riri kutenda zvikuru vanhu vakarivhotera, uye mutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa, vachange vari ku Mkoba Stadium kuchaitirwa musangano uyu.

“Kunenge kune musangano muhombe; tinenge tichiungana sezvo tiri bato rezvematongerwo enyika. Tinoudzana zviri kuitika munyika nekushungurudzwa kuri kuitwa vatsigiri vedu vari kurohwa, vari kuurayiwa, vari kuitwa zvakasiyana siyana,” VaMafume vakaudza Studio7.

“Tinoda kupa vanhu gwara, tichivaudza kuti kongiresi yavepo. Munoziva kuti pakongiresi tinenge tichichinja hutungamiri hwedu, tichipana gwara, tichigadzirisana pakakanganisika.”

MDC yakaita musangano weNational Council iyo yakabvumirana kuti kongiresi iitwe kubva musi wa 24 kusvika 26 Chivabvu.

Kune vamwe vaida kuti kongiresi iitwe muna Gumiguru. Kongiresi iyi iri kuitwa zvichitevera kushaya gore rapera kwevaimbove mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai.

VaMafume vati VaChamisa vachashandisa mukana wemusangano wekuGweru kuudza veruzhinji muZimbabwe pamusoro pechirongwa chebato ravo chekugadzirisa hupfumi hwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG