Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Zanu-PF Iri Kurova Vatsigiri Vayo


Vatsigiri veMDC Alliance

Bato reMDC Alliance rinoti nhengo yaro yevechidiki, ye Youth Assembly National Executive, Takunda Madzana, ari kurwara zvakaipisisa muchipatara mushure mekurohwa nevanhu vasingazivikanwi vanonzi vakange vakapakata pfuti, avo vanonzi vakamupisa nemoto wemagetsi. Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinopomera bato reZanu-PF mhosva yekupamba nekurova Takunda Madzana, vachiti imwezve nhengo yavo yakatoshaya ku Plumtree mushure mekurohwa nevavanoti vanhu ve Zanu-PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi umwe wevakuru mubato reZanu-PF, Doctor Simba Mavaza, avo vati mapurisa nemasoja havasi veZanu-PF kana bato ripi zvaro rezvematongerwo enyika asi ndeve nyika nevanhu vose.Vati zvekare bato reMDC Alliance rapererwa nemazano nekusadiwa kwaro nevanhu, naizvozvo riri kutsvaka pekuwanda napo sezvo riri kutadza kuwana rutsigiro rwevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG