Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Hapana Zvine Musoro Pane Zvichataurwa naVaMnangagwa kuUnited Nations


VaJacob Mafume
VaJacob Mafume

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotarisirwa kutaura mberi kwesangano re United Nations General Assembly muma awa mashoma.

Uku kuchave kekutanga VaMnangagwa vachitaura mberi kwedare iri semutungamiri wenyika.

MDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti haina chainotarisira kubva mune zvichataurwa naVaMnangagwa nekuti Zimbabwe ine zvinoinetsa zvakawanda zvinoda mutungamiri ari pamutemo.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vaudza Studio 7 kuti kutaura kusangano reUnited Nations hakuna zvakunoreva sezvo sangano iri richingotambira vanhu vese vese pasina rusarura.

VaMafume vapa muenzaniso wevatungamiri vakaita saVaSaddam Hussein, Fidel Castro nevamwe vavanoti dzaive mhondi dzakamira mberi kweUnited Nations General Assembly.

VaMafume vanoti VaMnangagwa vanofanira kukuridzirwa kuti vagadzirise nyaya dzekodzero yavo kuve mutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG