Accessibility links

MDC Alliance Yoramba Kutambira Bhajeti ra 2018


Former Prime Minister Morgan Tsvangirai shares a joke with his former finance minister, Tendai Biti, at a rally of about 500 people in Harare, March 22, 2017. Tsvangirai said the next election is heading for a dispute unless the Zimbabwe Electoral Commiss

Mapato anopikisa pasi pemubatanidzwa weMDC Alliance aramba kutambira bhajeti rehurumende ra2018 achiti harina zvarinogadzirisa uye Zanu PF iri kubata vanhu kumeso.

MDC Alliance yatiwo nhengo dzayo dzeparamende hadzisi kuzotsigira bhajeti iri muparamende.

Mukuru webato rePeople Democratic Party, VaTendai Biti, vanove zvakare sachigaro wekomiti inoona nezvehwaro hwehupfumi hwenyika, vati havawoni hurumende yeZanu PF ichitevedza zvayakatura mubhajeti iro rakaturwa neChina.

VaBiti vatiwo hurumende iyi ihurumende isiri pamutemo uye chinodidwa kuti hupfumi hwenyika hufambire mberi, kutanga kuumba hurumende iri pamutemo nekuita sarudzo dzakachena.

“Saka tiri kuti isu veMDC Alliance, ngatigadzireyi nyaya yelegitimacy, ngatigadzireyi free and fair elections, ngatigadzireyi nyaya yepolitical and institutional reform, ngatigadzireyi nyaya ye economics,” VaBiti vaudza Studio7

VaBiti vati zviri pachena kuti hurumende yaVaMnangagwa haikwanisi kuronga hupfumi vachiti kunyange hazvo ichitarisira kuwana madhora mabhiriyoni mashanu nechidimbi, iri kuronga kushandisa mari ingangosvika mabhiriyoni matanhatu.

Vati havawoni hurumende ichaiunganidza mari yainotarisira kuwana asi vanoziva kuti ichatoshandisa mari yakawanda kudarika mari yainotarisira kushandisa.

VaBiti vatiwo zvirongwa zvekuderedza huwandu hwemari inoshandiswa nehurumende zvakaita sekudzinga mayouth officers basa haushandi nekuti pane vashandi vakawanda zvikuru vehurumende vasina mabasa avanoita vanofanira kubviswa pabasa kana kuti maghost workers.

“Saka pane nyaya yekuti zvonzi vanhu ngavaregedze basa wane 65, asi tiri kuti imi vana Chinamasa mune 70-years, Mnangagwa maane ma75-years, so kana tiri kuregesa vhanu mabasa, ngatiregeseyi harawa dzese dziri 65-years and above. Number two, tiri kutorerei ma youth officers 3,000, yet tine ma ghost workers 200, 000. Ngativabvisei vese,” VaBiti vatsanangura

VaBiti vati MDC Alliance ine hurongwa hwanakana chose hwekumutsiridza hupfumi hwakaita sekurega kushandisa mari yemaBond Notes pamwe nekuti nyika ishandise maRands ekuSouth Africa.

“Tiri kuti isu, ngatiite financial sector reform. Hakuna mari mumabhangi, vanhu vari kurara mumabhangi, mapensioneers havana mari, saka tiri kuti ngatibvise chipuka chegreen chinonzi bond note, tochi enda ku South Africa kwatinojoina ... tochingoshandisa rand zvakango daro daro”

Mutevedzeri wemutungamiriri weMDC –T, VaNelson Chamisa, zvakare vachimirira Kuwadzana East, vati nhengo dzese dzeparamende hadzifaniri kutsigira bhajeti iri sezvo risina zvarinobatsira munyika.

Vanotiwo havatsigiri nyaya yegurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa yekuti mauto apindire munyaya dzehupfumi.

“Zvatiri kuona zvekuti masoldier ndivo vari kuita semapurisa, izvozvo hazvitarisirwi, hazvina kunaka," wawedzera VaBiti.

Bhajeti iri rinofanira kupasiswa neparamende risati raendeswa kumutungamiri wenyika kuti asaine kuti rishandiswe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG