Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yava Kunzi Citizens Coalition for Change


Citizens Coalition for Change Nelson Chamisa Presser

VaNelson Chamisa vazivisa kuti vachapinda musarudzo vachishandisa rimwe zita idzva zvichitevera gakava riri pakati pavo neMDC-T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora.

VaChamisa vazivisa pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi kuti vachapinda musarudzo vachishandisa zita rekuti Citizens Coalition for Change.

Izvi zvinotevera danho rakatorwanaVaMwonzora avo vakanyorera komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kuti vachashandisa zita rekuti MDC Alliance musarudzo dzema by-elections akatarisirwa kuitwa musi waKurume 26.

VaChamisa vati nhengo dzeparamende dziri kuvatsigira dzakasarudzwa dziri pasi peMDC Alliance dzicharamba dziri muparamende kuti dzipedze kotoro yadzo vachiti simba rehove riri mumvura.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati kuchinja kwaita VaChamisa zita kuchaita kuti gakava rezita pakati paVaChamisa naVaMwonzora ribva rapera zvachose.

VaChamisa vati kuchinja kwavaita zita havasi kuzokanganwa rwendo rwavakafamba naVaMorgan Tsvangirai mukurwira shanduko.

Zita idzva raziviswa naVaChamisa richashandiswa munzvimbo dzose dziri kuzoitwa sarudzo dzeparamende nemakanzura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG