Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoshora SADC Pakusaita Hurukuro yeZviri Kunetsa muZimbabwe


Amai Gladys Hlatywayo
Amai Gladys Hlatywayo

Zvichitevera kupera kwemusangano wevatungamiri venyika dzeSADC pasina zvataurwa pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe, bato guru rinopikisa, reMDC Alliance, rinoti zvinorishamisa kuti vatungamiri veSADC vakaregera kukurukura zviri kunetsa muZimbabwe kunyange hazvo mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakaona zvakakodzera kutuma nhumwa dzavo ku Zimbabwe kunoita hurukuro pamusoro penyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Mugwaro ravatumira kuvatori venhau, vanoona nezvekudyidzana nevekunze mubato reMDC Alliance, Muzvare Gladys Hlatywayo, vanoti hurumende yaVaEmerson Mnangagwa iri kushandisa dambudziko re COVID-19 senzira yekudzvanyirira vanhu munyika.

Muzvare Hlatywayo vanoti vanorwira kodzero dzevanhu, vatori venhau, magweta, vanomirira vashandi nevemasangano anomirira vanhu, vemakereke nevemapato anokwikwidza vanoshungurudzwa apo vachiita mabasa avo zviri pasi pemutemo.

Muzvare Hlatywayo vaudza Studio 7 kuti bato ravo richaramba richiedza kuita hurukuro neSADC, pamwe chete nevatungamiri venyika dziri musangano iri nevamwe, kusvika nyaya yeZimbabwe yagadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi sachigaro vebato re Zanu-PF muNorth America, VaRegis Charumbira, vanoramba mashoko ese ataurwa mugwaro reMDC Alliance, vachiti chirwere cheCOVID-19 hachisi chekutamba nacho, naizvozvo hurumende inoisa mirairo inodzikisa mafambiro evanhu kuti ibatsire mukuchengetedza hupenyu hwevanhu vayo.

VaCharumbira vanoti SADC haina kukurukura pamusoro peZimbabwe nekuti muZimbabwe hamuna dambudziko rinokodzera kukurukurwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG