Accessibility links

Breaking News

Mubatanidzwa weMDC Alliance Unoita Musangano Wekutanga muHarare


Mubatanidzwa weMDC Alliance
Mubatanidzwa weMDC Alliance

Mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance, waita musangano wawo wekutanga mumusha weEpworth muHarare, uyo unonzi wapindwa nemazana evatsigiri vemapato ari mumubatanidzwa uyu.

Mumwe wevatungamiri vemapato ari mumubatanidzwa, VaJacob Ngarivhume vanoti vatora mukana uyu kutsanangurira vatsigiri vavo vapinda mumusangano uyu pamusoro pehurongwa hwemubatanidzwa wakatarisana nesarudzo dzegore rino.

Vangarivhume vanoti nyaya huru yavaudza vatsigiri vavo ndeyekuvandudzwa kunofanirwa kuitwa mitemo ine chekuita nesarudzo idzo sarudzo dzisati dzaitwa.

VaNgarivhume vanoti zvavanyunyuta nazvo nedezvekusachinja maitiro kweZanu PF muzvinhu zvakaita sekuwaniswa kwemapato ose mikana yakaenzana panhepfenyuro dzehurumende.

“Saka tati isusu zvimwe zvezvinhu zvatichagara tichipusha, kana kuti tichirwa kuti tiite hondo yekuti zvinhu izvozvo zvirongeke, zvigadzirisike,” vanodaro VaNgarivhume.

Musangano uyu unonzi wapindwa nevatungamiri vemapato ari muMDC Alliance ose kunze kwemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vanonzi vanga vakamirirwa nevatevedzeri vavo VaElias Mudzuri naVaNelson Chamisa.

Mutungamiri werimwe bato reMDC, VaWelshman Ncube vanonzi havanawo kukwanisa kunge vari pamusangano uyu, asi vachinzi vanga vakamirirwawo nemutevedzeri wavo, VaEdwin Mushoriwa.

VaTsvangirai ndivo vachamirira mubatanidzwa weMDC Alliance musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Hurukuro naVaJacob Ngarivhume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG