Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoita Musangano kuMasvingo neSvondo


MDC Alliance
MDC Alliance

Vari kuronga musangano weMDC Alliance kuMasvingo vanoti musangano uyu uri kuenderera mberi neSvondo zvisineyi kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato reMDC-T.

Mubato iri mune makakatanwa pakati pevatevedzeri vaviri vaVaMorgan Tsvangirai, vanoti VaElias Mudzuri naVaNelson Chamisa, avo vari kunetsana pamusoro pechigaro cheakafanobata chigaro chaVaTsvangirai.

Sachigaro weMDC-T mudunhu reMasvingo, VaJames Gumbi, vanoti vanotarisira kuti vanhu vachauya nehwandu hwavo muMamutse Stadium sezvo vakaita gadziriro dzakakwana.

"Gadziriro dziri kufamba zvakanaka tiri kutairisira vanhu mavhu nemarara muMamutse Stadium richatsotemuka, tanga tichiita door to door tichikanda ma fliers imba neimba ward by ward vanhu vachifamba mudzimba," vadaro VaGumbi.

VaGumbi vanoti kunetsana kuri kuitika mubato ravo hakuneyi nenyaya yeMDC Alliance, nokudaro vanotarisira vanhu vakawanda vachauya kumusangano uyu.

Mutevedzeri wemurongi wemisangano muMDC-T, VaAmos Chibaya, vati zviri kuitika mubato ravo hazvikanganise vanhu kuenda kumisangano yeMDC Alliance, kanawo mimwe misangano inoitwa nebato ravo.

"Handioni zvichikanganisa kuuya kwevanhu mangwana, zvandingangotaura nemashoko awa hwereketa ndingangoti, mvura bvongodzeke ndiye gadzano, mangwana achange arimakuwerere muno muMasvingo muMamutse stadium, hutungamiriri hwese huchange huripo," vadaro VaChibaya.

Musangano weMDC Alliance ndewekutsvaga rutsigiro musarudzo dzichaitwa gore rino. vanotungamirira mapato ari mumubatandizwa weMDC Allince.

Sachigaro weMDC inotungamirwa na VaWelshman Ncube, Amai Magaret Shumba, vanoti vachavimbisa vanhu kuti mubatanidzwa uchakunda musarudzo gore rino.

"I am hundred percent sure kuti vanhu vachauya nemhaka yekuti takagadzirira last week tati chingokanda ma fliers tichingofamba tichiudza vanhu verbally saka I am hundred percent sure kuti stadium ichazara kusvika patara chaipo, vanu vachatitsigira zvikuru tikaramba tichishanda hand to hand, vanhu havachadi hurumende yaMnangagwa," vatsamangura Amai Shumba.

Musangano uyu unotevera mimwe misangano yakaitwa muHarare, Chitungwiza neMutare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG