Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vokwezva Zviuru zveVanhu kuHarare South


Vatsigiri veMDC Alliance
Vatsigiri veMDC Alliance

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaita musangano wekutsvaga rutsigiro kuHarare South uko kwapindwa nezviuru zvevanhu.

Vachitaura kumhomho yevanhu vaungana muHarare South, VaChamisa vati vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, hurumende yavo ichasimbaradza nyaya yekusimudzira madhorobha kuitira kuti vanhu vagare vachiwana zvose zvavanoshuvira.

VaChamisa vati parizvino hapana mutsauko uripo pakati pemaguta nenzvimbo dzekumaruwa.

Vachifananidza vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, semuchairi webhazi, VaChamisa vati mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, sakondakita waVaMugabe, vanofanira kusiya basa sezvakaitwa nemuchairi wavo.

VaChamisa, avo vanga vachiratidza kufarirwa zvikuru nevanhu, vakurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota kuitira kuti vagokwanisa kuvhota vachiti zuva rekuvhota ndiro zuva guru rinochinja zvese.

VaChamisa vatora mukana uyu kurangarira vaimbove mutungamiri webato ravo, muchakabvu Morgan Tsvangirai, vakakuridzira vanhu kuti vatende basa rese rakasiya raitwa naVaTsvangirai vachiti ndivo vakasiya vavapa basa rekumisa Zanu-PF.

Musangano uyu wapindwavo nevaimbomirira Zanu-PF muHarare South, VaShadreck Mashayamombe, avo vakadzingwa muZanu-PF gore rapera vachinzi vaive nhengo yeG40.

Vamwe vapinda mumusangano uyu vanosanganisira vakadzingwa muZanu-PF apo vaimirira Mwenezi East muNational Assembly, VaKudakwashe Bhasikiti, hutungamiri hwe MDC Alliance pamwe nevatsigiri veMDC-T.

VaChamisa ndivo vakadomwa neMDC Alliance kuti vamirire mubatanidzwa wemapato manomwe aya musarudzo yemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG