Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inodoma Hutungamiri Hutsva


VaTendai Biti ndivo vave mutevedzeri wasachigaro vebato, VaWelshman Ncube vachive mutevedzeri wemutungamiri webato.

Mubatanidzwa weMDC Alliance neMuvhuro wakasarudza vanga vari mutungamiri webato reMDC, Muzvinafundo Welshman Ncube pamwe naVaMorgan Komichi, avo vanga vari sachigaro veMDC-T yaVaNelson Chamisa kuti vave vatevedzeri vemutungamiri webato.

Vaviri ava vanenge vachibatana naVaElias Mudzuri, avo vagara vari mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa avo vari kutungamira mubatanidzwa uyu, uyo unonzi rave bato rezvematongerwo enyika.

VaJacob Mafume, avo vanga vari mutauriri webato rePDP, iro riri mumubatanidzwa uyu, vanonzi ndivo vave mutauriri webato reMDC Alliance.

Muzvare Thabitha Khumalo, avo vanga vari mutauriri weMDC-T yaitungamirirwa naVaChamisa, vanonzi ndivo vakasarudzwa kuva sachigaro webato reMDC Alliance, vachiteverwa naVaTendai Biti, avo vanga vari mutungamiri wePDP.

Muzvare Khumalo vaudza studio 7 vakagadzirira kusimudzira bato iri, vachiti vachagara pasi naVaKomichi kuti vavaudzwe mafambisiro avaiita basa sasachigaro vebato.

MDC Alliance ine mapato manomwe akabata kuumba mubatanidzwa uyo wakakwikwidza musarudzo dzakaitwa muna Chikunguru gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG