Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Zimbabwe Ichange Yave neMutungamiri Mutsva Musi weChipiri


VaNelson Chamisa nevatsigiri vavo
VaNelson Chamisa nevatsigiri vavo

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaita musangano kuChibuku Stadium kuChitungwiza uko vaudza veruzhinji kuti Zimbabwe ichange yave nemutungamiri mutsva svondo rinouya.

Vachitaura kumhomho yevanhu vaungana muChibuku Stadium kuChitungwiza, VaChamisa vati yasvika nguva yekuti zvinhu zvishanduke munyika, izvo vati zvichaitika svondo rinouya mushure mesarudzo.

VaChamisa vaudza vanhu kuti havana moyo murefu sezvaive zvakaita vaimbove mutungamiri weMDC-T, muchakabvu Morgan Tsvangirai, uye vayambira mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti zvekudzvanyirira vanhu zvakapera uye hazvichaitiki zvekare nekuti nguva yekuchinja zvinhu yasvika.

“Vana Chiwenga nanaMnangagwa ngavanzwisise nyaya iyi kuti vanhu veZimbabwe havadi zvemhirizhonga. Vanhu ava ndivo vakatidenha. Vakatidenha nekutadza kutongwa kwavo; vakatidenha nekusatevedzera mutemo kwavo; vakatidenha nekubira pasarudzo kwavaiita,” VaChamisa vaudza vanhu.

Asi VaChamisa vati vanokudza vakuru vakaita semutungamiriri we Zapu, VaDumiso Davengwa, nekuti ndivo vakarwira rusununguko rwenyika.

VaChamisa vatiwo kudzoka kweavo vakange vambobuda muMDC-T vakaita saVaTendai Biti naVaWelshman Ncube, chiratidzo chekuti MDC-T ndiwo musha wevanhu wega.

VaChamisa vatsananguriravo vanhu pamusoro pezita rebato ravachashandisa pasarudzo vachiti bato reMDC-T rasimba kubva zvarakange riri parakaumbwa.

VaChamisa vati Zanu-PF yange ichida kuti varamwe sarudzo kuitira kuti igosara iri yega musarudzo.

Vavimbisa mapurisa nemasoja kuti kana vakakunda musarudzo vachagara zvakanaka kupfuura zvavari pari zvino.

Musangano uyu wange uri wechitanhatu wavaita muzuva rimwe, uye uri wechimakumi manomwe nepfumbamwe mumwedzi miviri vachitsvaga rutsigiro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG