Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC Alliance VaChamisa Vokurudzira Musangano weChimbichimbi naVaMnangagwa Kuti Zvinhu Zvigadzirisike muNyika


Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa vachitaura vari kurufu rwenhengo yavo Amai Miriam Mushayi kuMagunje.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa vachitaura vari kurufu rwenhengo yavo Amai Miriam Mushayi kuMagunje.

Mutungamiri webato reMDC Alliance VaNelson Chamisa vati pane mukana wekuti vezvematomgerwo enyika vataurirane kuti zvinhu zvigadzikane uye kuti masoja, mapurisa pamwe nevasori vaite basa ravo nemazvo kwete kushungurudza vanhu.

Vachitaura vari kuMagunje, kuMashonaland West pakuvigwa kwenhengo yavo yeNational Council uye vari nhengo yeparamende yeKuwadzana, Amai Miriam Mushayi, VaChamisa vati mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanofanirwa kubvuma kutaurirana navo kuti zvinhu zvinake munyika.

VaChamisa vatiwo mapurisa, masoja nevasori vanofanirwa kuita basa ravo nemazvo.

Vati kana vakapinda mukutonga hurumende yavo ichaona kuti mapazi ehurumende aya apihwa mari dzinoita kuti vashandi vashande vasingaite huori.

Mumwe mutevedzeri waVaChamisa VaTendai Biti vati dai pasina kutadza kutonga kwaVaMnangagwa Amai Mushayi vangadai vakarapwa zvakanaka pamwe vangadai vasina kufa.

Nhengo yeZanu Pf uye vari sachigaro wekomiti yemadzimai muparamende Amai Kwaramba vabvuma kuti Amai Mushayi munhu aibatanidza nhengo dzemapato ose muparamende.

Amai Mushayi, avo vakashaya neMuvhuro mushure mekurwara kwenguva pfupi, vasiya murume nevana vasikana vaviri.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG