Accessibility links

Breaking News

Kongiresi yeMDC yaChamisa Yokonzera Mutauro


Nelson Chamisa At Church National Dialogue Meeting
Nelson Chamisa At Church National Dialogue Meeting

Kongiresi yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yave kutokonzera mutauro zvikuru pamusoro penyaya yezvigaro zvichakwikwidzwa pakongiresi iyi hutungamiri hwebato huchiburitsa mashoko anopesana.

Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vaudza Studio7 kuti zvigaro zvichakwikwidzwa pakongiresi ndechemutungamiri webato nevatevedzeri vake, uye chasachigaro webato nemutevedzeri wake.

Kongiresi yeMDC ichaitwa muna Chivabvu kutanga musi 24 ichipera musi 26.

Mashoko aVaMafume anotevera mashoko aiswa paTweeter nemutevedzeri wemubati wehomwe, VaChalton Hwende.

Asi mashoko aya anopesana nemashoko akataurwa nemunyori mukuru weMDC, VaDouglas Mwonzora, avo vakati zvigaro zvose zvichakwikwidzwa pakongiresi.

VaChamisa vakabudawo pachena vachiti zvinzvimbo zvose zvichakwikwidzwa pamusangano mukuru webato ravo wekutsvaga hutungamiri hutsva.

Asi VaMafume vanoti bumbiro remutemo webato ravo rinobvumira kuti mutungamiri webato adome vanhu vachashanda semunyori mukuru webato nezvimwe zvigaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi VaMwonzora vanoti zvigaro zvese zvichakwikwidzwa naani zvake anenge adomwa nematunhu ebato sekutaurwa kwakaitwa naVaChamisa nemusi weSvondo kumusangano wakaitirwa kuGweru vachiti bumbiro remitemo webato rinoti zvigaro zvese zvinokwikwidzwa.

VaMwonzora vati chisati chazikanwa nebato ravo mazita eavo vachakwikwidza uye kuti vanenge vachikwikwidza zvigaro zvipi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zviri kuitika muMDC munongedzo wekuti zvinhu hazvina kumira zvanaka mubato rinotarisirwa neveruzhinji kunge richiratidza musiyano nemaitiro eZanu PF.

Nyanzvi idzi dzinoti zviri pachena kuti zvinhu zvikasagadziriswa bato iri rinogona kutsemuka sezvo mubato iri musina kuwirirana.

VaChamisa vakatora chigaro chemutungamiri webato zvine mutauro mukati zvichitevera kushaya kwevaive mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, muna Kukadzi gore rapera.

Mubato iri makaita makakatanwa Muzvare Thokozani Khupe vachiti ndivo vaifanirwa kufanobata chigaro chemutungamiri webato.

Kunetsana uku kwakaita kuti bato iri ritsemuke, Muzvare Khupe ndokuenda nevamwe vaivatsigira kunoumba MDC yavo, asi rezhinji rwevanhu rwakaramba rwuri muMDC yaChamisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG