Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Iri Kushandura Nzira Dzinoshandiswa Kusarudzwa kweVamiriri Vayo


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa, reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vanokumbira ruregerero kubva kuruzhinji rwevanhu pamusoro penzira yange ichishandiswa nebato ravo mukusarudza vanomirira bato iri.

VaChamisa vanoti vanoona kuti vanhu vazhinji mubato iri, vanhu vanotsvaka hupfumi vasina basa nezvido zvevanhu.

Vachitaura panhepfenyuro yesangano re Centre For Innovation & Technology (CITE) nezuro, VaChamisa vakati bato ravo richazivisa nzira itsva ichashandiswa mukusarudza vanomirira bato iri musarudzo dziri kuuya.

Vakati chinangwa chevamiriri vazhinji ndechekuchengetedza zvinzvimbo zvavo muparamende kana mukanzuru, kwete kumirira vanhu, vachiti mitemo mitsva iri kugadzirwa nebato ravo ichaita kuti pasarudzwe vamiriri vevanhu vechokwadi.

Vakati vakadzidza zvinhu zvizhinji, kusanganisira kuti vanhu vazhinji vakauya kubato ravo havana kuuya kuzobatsira kugadzirisa zvinhu asi kuzoshandisa bato mukutsvaka hupfumi hwavo.

Mashoko aVaChamisa anouya mushure mevamiriri vazhinji vebato ravo muparamende nemumakanzuru vadzingwa basa uye vamwe vavo vachibuda mubato ravo vachipinda mune mamwe mapato.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti VaChamisa vakazviziva kare kuti vanhu vazhinji vari kushandisa bato ravo mukutsvaka mari, vachiti kubvuma kwavaita uku kuchabatsira bato nekukurudzira vazhinji vanovatsigira.

VaNgwenya vanoti pane mutsauko mukuru pakati pevanhu vanomirira bato neavo vanomirira vanhu vachiti, kazhinji vanomirira bato ndivo vanosarudzwa, izvo vanoti zvikonzera kuti vanhu vagumbuke nekuti anenge asarudzwa nebato haasi iye anodikanwa nekuziviwa nevanhu.

VaNgwenya vaanoti izvi ndizo zvinokonzera kuti vanhu vasiye bato vachienda kune rimwe bato nekuti vanenge vasineyi nezvido zvevanhu vavanomirira.

Asi vanoti chinhu chikuru ndechekuti VaChamisa vazviona vega uye vazvitaura pachena, vachiti izvi zvichakurudzira vatsigiri vavo nevamwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG