Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoparura Chirongwa Chinokurudzira Madzimai Kutora Zvigaro Mune zveMatongerwo eNyika


Mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, Amai Lynnett Karenyi Kore

Bato rinopikisa, reMDC Alliance, raparurira chirongwa chekukurudzira madzimai kuti atore zvigaro munyaya dzezvematongerwo enyika uye izvi zvichatungamirirwa nekomiti yaumbwa nebato iri muHarare neMugovera.

Vachizivisa nhengo dzekomiti iyi, yeSmart Gender Drive Taskforce, mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri weMDC Alliance , Amai Lynette Karenyi Kore, vati bato ravo ratora danho iri nekuti madzimai mubato ravo achiri kumashure munyaya dzematongerwo enyika.

Vati komiti yaumbwa nhasi, ichitsigirwa nemutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa, ichafamba nenyika yese ichikurudzira nekusimbisa madzimai kuti atore zvigaro mumabasa nemune zvematongerwo enyika.

Vati vanoda kuti madzimai atore zvigaro makumi mashanu kubva muzana pazvigaro zvese, muparamende kana mumakanzuru.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvematunhu zvakare vari meya veHarare , VaJacob Mafume, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinoda kusimudzira madzimai zvakasimba ndosaka raumba komiti iyi.

Vati madzimai anosangana nematambudzika akawanda panyaya dzematongerwo enyika uye MDC Alliance inoda kugadzirisa matambudziko aya kuburikidza neSmart Gender Drive Taskforce.

Imwe nhengo yekomiti iyi, Amai Kudzai Kadzombe, vaudza Studio 7 kuti vanofara chose nekudomwa kuve nhengo yekomit iyi uye vavimbisa madzimai ese emuZimbabwe kuti vachavamirira nerudo rwavo rwese.

Vati vanoda kupedza matambudziko akaita seavakasangana navo pavakasarudzwa kuva kanzura weguta reHarare.

Dzimwe nhengo dzekomiti iyi, ndaVaSesil Zvidzai, VaMurisi Zwizai, Amai Ellen Shiriyedenga, Amai Monica Mukwada, Amai Precious Ndlovhu, naMuzvare Cecelia Chimbiri.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG