Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoita Musangano kuCross Dete


Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume.
Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume.

Mubatanidzwa weMDC Alliance waita musangano nevatsigiri wawo kuCross Dete, kudunhu reMatabeleland North, uyo pindwawo nevatungamiri vemapato ose ari mumubatanidzwa uyu.

Vachamirira MDC Alliance musarudzo dzemutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vanonzi vaudza musangano uyu kuti neSvondo vachaedza kuita musangano nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato ravo, Muzvare Thokozani Khupe kuti vaedze kugadzirisa makakatanwa ari pakati pavo.

Muzvare Khupe vari kuti ivo ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T kusvika paitwa kongiresi ichazosarudza mutungamiri.

Mumwe wevatungamiri vataurawo pamusangano uyu, VaJacob Ngarivhume veTransform Zimbabwe, vanoti vavimbisa vatsigiri vavo kuti mubatanidzwa wavo ndiyo chete nzira ichabatsira kusimudzira dunhu reMatabeleland North, iro vanoti rakasarira shure nekuda kwehutongi hweZanu PF.

“Ndavimbisa vanhu zvinhu zviviri. Chekutanga, ndaudza vanhu kuti Alliance ndiyo nzira yatinayo muZimbabwe sebato rinopikisa kuti tikunde pasarudzo dzinotevera, saka tinofanira kuibatisisa uye tinofanira kuwirirana mumubatanidzwa wedu, uye vatsigiri vedu ngavatitsigire kuti tigone kubatana,” vanodaro VaNgarivhume.

“Chechipiri, ndaudza vanhu kuti zvinokosha kuti vanhu vazive kuti VaMnangagwa vangavari umwe wevakakonzera matambudziko atange tinawo kubva muna 1980 vachishanda naVaMugabe.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, Muzvare Khupe vanonzi vasanganawo nevatsigiri vavo kuNkayi, kuMatabeleland North kwakare.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuti zvii zvakurukurwa kumusangano wavo uyu sezvo takundikana kuvabata.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG