Accessibility links

Breaking News

MDC Inokunda Musarudzo yeWard 2, Kadoma Central


Ellen Dingani, ZESN
Ellen Dingani, ZESN

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yakunda musarudzo yemu Ward 2 mudunhu reKadoma Central yakaitwa neMugovera.

Mashoko atatambira anoti Amai Shorayi Chiwara veMDC vanonzi vakawana mavhoti mazana manomwe nemakumi masere, ukuwo VaLloyd Nyasha Nyambo veZanu PF vakawana mavhoti mazana matatu nemakumi matanhatu nerimwe.

Sarudzo iyi iri yaitwa zvichitevera kuwanikwa nemhosva kwakaitwa VaMichael Gore veMDC avo vatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu mushure mekupomerwa mhosva yekukurudzira mhirizhonga pakuratidzira kwakaitwa muna Ndira gore rino.

VaGore vari kupikisa mutongo uyu, uye havasi mujeri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZimbabwe Electoral Commission panyaya yezvabuda musarudzo yakanzura weWard 2 muKadoma Central.

Sangano rinoona nezvesarudzo rakazvimirira, reZimbabwe Election Support Network, kana kuti ZESN, rinoti harisi kufara kuti vanhu vanga vachimiswa kwenguva yakareba kuti vavhote asi vachizoudzwa vapinda mukati kuti mazita avo haapo panzvimbo yekuvhotera iyi.

Mukuru wezvirongwa muZESN, Amai Ellen Dingani, vaudza Studio7 kuti chichemo ichi vakachisvitsa ku Zimbabwe Electoral Commission asi hachisati chagadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG