Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti VaGeorge Charamba Vari Kunyepa paNyaya yeNhomba yeCovid-19


Mishonga yenhomba yeCovid-19
Mishonga yenhomba yeCovid-19

MDC-Alliance iri kuramba mashoko ekuti yave kushaya zvekuita nenhomba dzeCovid-19 dzayakapiwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe kuti ibaye nhengo dzaro.

Izvi zvinotevera mashoko akanyorwa neMuvhuro padandemutande reTwitter nemutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vachiti bato rinopikisa iri rapinda parumananzombe nenhomba dzinokwana mazana mashanu ezviuru dzaranga rapiwa asi ratadza kudzishandisa sezvo dzisina kunyoreswa muZimbabwe sezvinodiwa nemutemo.

VaCharamba vakati bato iri rakanga ratsvaga nhomba idzi senzira yekuda kumisa basa rakanaka riri kuitwa neZanu PF kuburikidza nechirongwa chekubaya vanhu nhomba yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Studio 7 yatadza kubata VaCharamba kuti tinzwe kubva kwavari. Takundikanawo kunzwa kubva kumuzinda weAmerica muZimbabwe pamusoro enyaya iyi.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti manyepo ari kutaurwa aya naVaCharamba.

VaHlatywayo vatiwo VaCharamba vari kutamba nehupenyu hwevanhu vachishandisa nyaya yenhomba yeCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG