Accessibility links

Breaking News

MDC Inoita Musangano weNational Council Vamwe Vachinyunyuta


VaJacob Mafume
VaJacob Mafume

Bato reMDC rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa raita musangano weNational Council wekuzeya nyaya yekongiresi yebato, pamwe nezvimwe zviri kuitika mubato.

Vapinda mumusangano uyu vataura neStudio7 vanoti musangano uyu wapindwa nevanhu vashoma, zvokuti vanga vasingasvike koramu.

Mashoko atiri kutambira anoti vanhu vanosvika makumi mana ndivo vapinda mumusangano uyu, pachinhambo chekuti musangano uyu unge wapindwa nevanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevasere.

Vanhu vasina kupinda mumusangano uyu vanosanganisira mutauriri webato, VaJacob Mafume, mutevedzeri wemutungamiri webato, VaElias Mudzuri, murongi wemisangano, VaAmos Chibaya, nevamwe.

Musangano uyu unonzi wabvumirana kuti kongiresi iitwe musi 24-26 Chivabvu 2019, kwete muna Gumiguru sezvange zvichidiwa nevamwe mubato.

VaMafume vaudza Studio7 kuti hachisi chokwadi kuti vanhu vakawanda havana kupinda mumusangano wavo, uye vanhu vakumbira kuti vange vakabatikana vanosvika makumi maviri chete.

Asi mashoko aVaMafume ari kupikiswa zvikuru nevanhu vataura neStudio7 vanga vari mumusangano uyu.

Vapinda mumusangano uyu havana kuda kuburitswa mazita avo sezvo vasina mvumo yebato yekuti vataure nevatori venhau.

“Zvinotishamisa kuti ndiani anoti makanzura haana kuuya akawanda. Mukatarisa mapikicha, makanzura anga akawanda, akazara,” VaMafume vaudza Studio 7.

“Hongu pane mumwe kana vaviri vanenge vatumwa kunze kwenyika kana vanenge vakafirwa; ikanzuru ine nhengo dzinosvika mazana maviri saka kana makumi maviri avo vakakundikana kuuya, musangano unogona kuenderera mberi pasina chinonetsa.”

Mubato iri mune makatanwa kubva zvashaya vaive mutungamiri waro, VaMorgan Tsvangirai, gore rapera.

Vamwe vakati kongiresi yechimbi chimbi yaifanirwa kunge yakaitwa zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai, vamwe vachiti masimba aive kuNational Council kuti itare zvinofanirwa kuitwa pakamirirwa kuitwa kongiresi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG