Accessibility links

Breaking News

VaLuke Tamborinyoka Vanoti Vatsigiri Vavo Vari Kunetswa neMauto kuGoromonzi West


VaLuke Tamborinyoka
VaLuke Tamborinyoka

Vari kukwikwidza kuti vamirire MDC Alliance kuGoromonzi West, VaLuke Tamborinyoka, vanoti mumwe wavo wavari kukukwikwidza naye musarudzo, VaEnergy Mutodi veZanu PF, vadzikisa jego pakutyityidzira vanhu vachishandisa vaimbove varwiri vehondo yerusununguko pamwe nemauto.

VaTamborinyoka vaudza Studio7 kuti kubvira svondo rapfuura, vaimbove varwiri verusununguko ari kuvunditsira vagari vemunzvimbo dzakaita seWard 3, 7 ne 8 vachivaudza kuti kuchafiwa kana vakavhotera MDC.

VaTamborinyoka vanoti hapana zvakanyanyaya zvavangaite kunze kwekuudza vari kuongorora sarudzo nezviri kuitika pamwe nekusimbisa vatsigiri vebato ravo.

Mashoko aVa Tamborinyoka atsinhirwa naVaBrian Kamoto veMDC Alliance avo vari kukwikwidza musarudzo yakanzura weWard 8.

VaKomoto vanoti VaMutodi havasi kutevedza zviri kutaurwa nemutungamiriri webato ravo, VaEmmerson Mnangagwa, kuti sarudzo dziitwe murunyararo.

VaPrince Mpindu, avo vari kumirira MDC Alliance musarudzo yakanzura weWard 8 muGoromonzi West mekare, vanoti kunyange hazvo misangano yavo yekutsvaga rutsigiro iri kufamba zvakanaka, vanhu vari kuvaudza kuti vari kuvhunditsirwa nevaimbove varwiri verusununguko vachinge vabva kumisangano yeMDC Alliance.

VaMpindu vaudza Studio7 kuti mauto anogara papurazi remumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, ari kurova vanhu kana kurambidza vatsigiri veMDC kupinda mupurazi iri.

VaTamborinyoka vanoti izvi zvinoratidza kuti hapana zvakasanduka kubva pane zvaiitwa nehurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Asi VaMutodi vanoti vanoda humbowo hwezvese zviri kutaurwa izvi vachiti semaziviro avo hapana munhu ari kuvhunditsirwa muGoromonzi West.

VaMutodi vanotiwo veMDC Alliance vave kutaura zvinhu zvisina humbowo nekuti vave kutya sarudzo.

Vanoti ivo veMDC Alliance ndivo vari kutofamba vachibvarura maposita avo vachiti humbowo huripo ndewekuti ivo VaTamborinyoka vanotori nenyaya iri kumatare edzimhosva.

Vamwe vari kukwikwidza musarudzo yemumiriri weGoromonzi West vanosanganisira vakazvimirira vega, Amai Beatrice Nyamupinga; VaCryton Machokoto vePeople’s Rainbow Coalition; VaClifford Nhamburo veMDC Alliance; naVaLewis Tizora veCoalition of Democrats, nevamwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG