Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC Alliance Mudunhu reBulawayo Vanoda Kuti Vanhu Vavakavhotera Vavamirire


Vatsigiri veMDC Alliance pamusangano wavo muBulawayo
Vatsigiri veMDC Alliance pamusangano wavo muBulawayo

Zvichitevera kudzingwa basa nebato reMDC-T kwevamiriri veMDC Alliance vakange vakamirira dunhu reBulawayo muparamende nemukanzuru muguta reBulawayo, vatsigiri veMDC Alliance mudunhu iri vari kukurudzira bato ravo kuti rivatungamirire nekuvabatsira kuti vasvitse zvichemo zvavo kumatare edzimhosva kuti vanhu vavakavhotera vasatorerwa zvigaro zvavo, zvichiendeswa kubato riri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Vagari ava vanoti vanhu vavakavhotera ndivo vanofanirwa kuvamirira muparamende nemukanzuru yeguta kusvika paitwa dzimwe sarudzo.

Mutauriri weMDC Alliance mudunhu reBulawayo, VaSwithern Chirowodza, vanoti vari mukuvanda mushure mevanhu vasingazivikanwi vakasvika pamba pavo vusiku vachivatsvaka.

VaChiroodza vanoti nhengo dzebato ravo dziri kuchifamba munzvimbo zhinji dzedunhu iri dzichibatsira vanhu kunyora mapetisheni pamwe neruzivo rwekusvitsa zvichemo zvavo kumatare edzimhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG