Bato reMDC Alliance rinoti mapurisa kuBiriiri kuChimanimani mudunhu reManicaland arambidza kuitwa kwemusangano wehutungamiri hwedunhu diki kana kuti distirct executuve, wanga uchida kuitirwa pane mumwe musha uri muWard 17.
Mutauriri weMDC Alliance, VaGift Ostalos Siziba, vanoti musangano uyu wanga usingade mvumo yemapurisa kana kusungira kuti bato ravo ritange razivisa mapurisa sezvo vanga usiri musangano wanga uchiitirwa pajekerere.
VaSiziba vanoti mapurisa haana kupa zvikonzero zvakajeka zvekuti sei arambbidza musangano uyu, uyo vanoti wanga uchipindwa nevanhu makumi maviri chete.
Studio 7 yakundikana kubata mapurisa ekuChimanimani kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Mutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vanzwa nezvenyaya iyi, uye vanga vasati vapirwa zvaitika mumatunhu akasiyanasiyana enyika panguva yatavabata.
Asi VaSiziba vanoti zviitiko zvakadai zvinoratidza kuti vari kutonga havadi kuti bato reMDC Alliance riiite misangano yaro sezvo vari kutya kubviswa pazvigaro.
Facebook Forum